|
| 1 |
|
| Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imi varanda vaJehovha; |
|
| 2 |
|
| Imi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu. |
|
| 3 |
|
| Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza. |
|
| 4 |
|
| Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho, NaIsiraeri kuti ave pfuma yake chaiyo. |
|
| 5 |
|
| Nokuti ndinoziva kuti Jehovha mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose. |
|
| 6 |
|
| Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. |
|
| 7 |
|
| Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa pfuma yake. |
|
| 8 |
|
| Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, Avanhu neezvipfuwo. |
|
| 9 |
|
| Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Ijipiti, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose. |
|
| 10 |
|
| Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba. |
|
| 11 |
|
| Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose hweKanani; |
|
| 12 |
|
| Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake. |
|
| 13 |
|
| Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi. |
|
| 14 |
|
| Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake. |
|
| 15 |
|
| Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu. |
|
| 16 |
|
| Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni; |
|
| 17 |
|
| Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo. |
|
| 18 |
|
| Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. |
|
| 19 |
|
| Imi veimba yaIsiraeri, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha; |
|
| 20 |
|
| Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha. |
|
| 21 |
|
| Jehovha ngaarumbidzwe paZioni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya! |
|
|
|
|