|
| 1 |
|
| Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
|
| 2 |
|
| Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
|
| 3 |
|
| Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 4 |
|
| iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 5 |
|
| iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 6 |
|
| iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 7 |
|
| iye akaita zviedza zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 8 |
|
| zuva kuti ribate ushe masikati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 9 |
|
| mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 10 |
|
| iye akarova matangwe eIjipiti, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 11 |
|
| uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 12 |
|
| noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 13 |
|
| iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 14 |
|
| uye akayambutsa Israeri nomukati maro, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 15 |
|
| asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 16 |
|
| iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 17 |
|
| akarova madzimambo makuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 18 |
|
| uye akauraya madzimambo ane simba, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 19 |
|
| Sihoni mambo wavaAmori, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 20 |
|
| naOgi mambo weBhashani, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 21 |
|
| akavapa nyika yavo senhaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 22 |
|
| nhaka kumuranda wake Israeri, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 23 |
|
| iye akatirangarira paurombo hwedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 24 |
|
| uye akatisunungura kubva pavavengi vedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; |
|
| 25 |
|
| uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
|
| 26 |
|
| Vongai Mwari wokudenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
|
|
|
|