×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 137

1
Pedyo nehova dzeBhabhironi taigarapo tichichema patainge tafunga Zioni.
2
Taipaikira zvipendani zvedu pamisambagwena ikoko.
3
Ipapo vatapi vedu vaitikumbira dzimbo, varwadzisi vedu vaiita musara nesu vachiti, “Tiimbirei rumwe rumbo rweZioni.”
4
Ko taigoimba sei rumbo rwaTENZI munyika yavatorwa.
5
Kana ndikakukanganwa iwe Jerusaremu ruoko rwangu rworudyi ngaruune.
6
Rurimi rwangu ngarubve rwanamira kumusoro kwomukanwa mangu, kana ndikarega kukurangarira kana ndikarega kutora Jerusaremu somufaro wangu mukurusa.
7
Yeukai TENZI nezvevekwaEdhomu pazuva reJerusaremu pavaiti ngarikoromorwe, ngarikoromorwe, rikoromorwe kusvika paugaro hwarwo.
8
Iwe Bhabhironi muparadzi akakomborerwa zvake anotsividza zvawakatiitira.
9
Akakomborerwa anotora pwere dzako achidzipwanyira padombo.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa