×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 137

1
Panzizi dzeBhabhironi, Ndipo patakagara pasi, zvirokwazvo tikachema, Pakurangarira kwedu Zioni.
2
Pamikonachando mukati madzo Takaturika mbira dzedu.
3
Nokuti ipapo avo vakatitapa vakakumbira kwatiri mashoko orwiyo, Vakatiparadza vakakumbira mufaro, vachiti, “Tiimbireiwo rwiyo rweZioni.”
4
Tingaimba seiko rwiyo rwaJehovha Munyika yavatorwa?
5
Kana ndikakukanganwa, iwe Jerusaremu, Ruoko rwangu rworudyi ngarukanganwe umhizha hwarwo.
6
Rurimi rwangu ngarunamatire kumatadzo angu, Kana ndikarega kukurangarira; Kana ndisingati Jerusaremu Ndiwo mufaro wangu mukuru unopfuura zvose.
7
Rangarirai Jehovha, murove vana vaEdhomu Pamusoro pezuva reJerusaremu; Ivo, vakati, “Paradzai, paradzai, Kusvikira panheyo dzaro.”
8
Iwe mukunda weBhabhironi, iwe unobva woparadzwa; Munhu uyo achava nomufaro, achakutsivira Sezvawakatiitira iwe.
9
Munhu uyo achava nomufaro, achatora pwere dzako Nokudzirovera padombo.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa