Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Benzi rakati mumoyo maro, "Mwari haako." Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka. |
| 2 |
| Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari. |
| 3 |
| Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. |
| 4 |
| Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha. |
| 5 |
| Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama. |
| 6 |
| Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake. |
| 7 |
| Dai kuponeswa kwalsiraeri kwaibva paZiyoni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/014.mp3
150
14