Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Ndirwirei Jehovha pamunhu wakaipa, Ndichengetei pamunhu anehasha; |
| 2 |
| Ivo, vanofunga zvakaipa mumoyo yavo; Vanogara vachimutsa kurwa. |
| 3 |
| Vakarodza rurimi rwavo senyoka; Uturu bwechiva huri pasi pemiromo yavo. |
| 4 |
| Ndichengetei, Jehovha, pamaoko owakaipa; Ndichengetei pamunhu anomanikidza; Vanofunga mano okugumburisa tsoka dzangu. |
| 5 |
| Vanozvikudza vakandivanzira musungo namabote; Vakadzika mumbure parutivi rwenzira, Vakanditeyera rugombe. |
| 6 |
| Ndakati kuna Jehovha, Mwari wangu; " Teererai, Jehovha, munzwe inzwi rokukumbira kwangu. |
| 7 |
| Mwari Ishe, ndimi simba rokuponeswa kwangu, Makafukidza musoro wangu pazuva rokurwa. |
| 8 |
| Jehovha, regai kupa wakaipa zvaanotsvaka; Musapfuudza zano rake rakaipa; kuti varege kuzvikudza. |
| 9 |
| Kana uri musoro wavanondikomba, Zvakashata zvemiromo yavo imene ngazvivafukidze. |
| 10 |
| Mazimbe omoto, anopfuta, ngaawire pamusoro pavo; Ngavakandirwe mumoto; Nomumakomba akadzika, kuti varege kumukazve. |
| 11 |
| Munhu, anamakuhwa, haangasimbiswi pasi; Zvakaipa zvichavhima munhu anomanikidza kuti zvimuparadze. |
| 12 |
| Ndinoziva kuti Jehovha achagadzira mhosva yavanotambudzika, Nokururamisira vashaiwi. |
| 13 |
| Zvirokwazvo, vakarurama vachavonga zita renyu; Vanemoyo yakarurama vachagara pamberi penyu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/140.mp3
150
140