×

Bhaibheri Dzvene 2005

Mapisarema 143

1
Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu, ndinzwirei nyasha pakuchema kwangu; uyai mundisunungure nokutendeka uye nokururama kwenyu.
2
Musauyisa muranda wenyu mukutongwa, nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.
3
Muvengi anondidzinganisa, anondipwanyira pasi; anondiita kuti ndigare murima savaya vakafa kare.
4
Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu; mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.
5
Ndinorangarira mazuva akare kare; ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose, uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.
6
Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera
7
Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura; mweya wangu woziya. Regai kundivanzira chiso chenyu nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.
8
Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi, nokuti ndinovimba nemi. Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo, nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.
9
Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha, nokuti ndinozvivanza mamuri.
10
Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu, nokuti muri Mwari wangu; mweya wenyu wakanaka ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.
11
Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu; ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.
12
Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi; paradzai vavengi vangu vose, nokuti ndiri muranda wenyu.
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica
:
Sevha Zvinyorwa