Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; Ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu. |
| 2 |
| Regai kutonga muranda wenyu; Nokuti hapana munhu mumwe mupenyu angaruramiswa pamberi penyu. |
| 3 |
| Nokuti muvengi akatambudza mweya wangu; Akatsikirira upenyu hwangu pasi; Akandigarisa panzvimbo dzine rima, savanhu vakanguva vafa. |
| 4 |
| Saka mweya wangu wavhunduswa mukati mangu. Mwoyo wangu wavhundutswa mukati mangu. |
| 5 |
| Ndinorangarira mazuva akare; Ndinofungisisa zvose zvamakaita; Ndinofunga basa ramaoko enyu. |
| 6 |
| Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; Mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa. |
| 7 |
| Kurumidzai kupindura, Jehovha; mweya wangu waziya; Regai kundivanzira chiso chenyu; Ndigosava savanoburukira kugomba. |
| 8 |
| Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; Nokuti ndinovimba nemi; Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo; Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri. |
| 9 |
| Ndirwirei Jehovha, pana vavengi vangu; Ndinovanda nemi. |
| 10 |
| Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu; nokuti ndimi Mwari wangu; Mweya wenyu, wakanaka ngaundifambise munyika yakati chechetere. |
| 11 |
| Ndiponesei Jehovha, nokuda kwezita renyu; Budisai mweya wangu pakumanikidzwa nokururama kwenyu. |
| 12 |
| Pedzai vavengi vangu nounyoro hwenyu, Muparadze vose vanomanikidza mweya wangu; Nokuti ndiri muranda wenyu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/143.mp3
150
143