Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ngaarumbidzwe Jehovha, dombo rangu, Anodzidzisa maoko angu kurwa, Neminwe yangu kufura; |
| 2 |
| Unyoro hwangu, nenhare yangu, Shongwe yangu yakakwirira, nomurwiri wangu; Nhoo yangu, uye iye wandinovimba naye; Anoisa vanhu vangu pasi pangu. |
| 3 |
| Jehovha, munhu chinyiko, zvamune hanya naye? Kana Mwanakomana womunhu, zvamunomurangarira? |
| 4 |
| Munhu akafanana nomweya; Mazuva ake anenge mumvuri unopfuura. |
| 5 |
| Kotamisa kudenga-denga kwenyu Jehovha, muburuke; Gunzvai makomo, apfungaire hutsi. |
| 6 |
| Penyesai mheni, muvaparadze; Furai miseve yenyu, muvavhunduse. |
| 7 |
| Tambanudzai ruoko rwenyu muri kumusoro; Ndisunungurei, mundirwire pamvura zhinji, Naparuoko rwavatorwa; |
| 8 |
| Avo vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema. |
| 9 |
| Mwari ndichakuimbirai rwiyo rutsva; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une ungiso dzine gumi. |
| 10 |
| Ndimi munopa madzimambo kuponeswa, Munorwira Dhavhidhi muranda wenyu pamunondo unokuvadza. |
| 11 |
| Ndisunungurei, mundirwire paruoko rwavatorwa, Vanotaura zvisina maturo nomuromo wavo, Uye ruoko rwavo rworudyi ndirwo ruoko rworudyi rwenhema. |
| 12 |
| Vanakomana vedu vachava semiti yakakura kwazvo pautsva hwayo; Uye vanasikana vedu samabwe ekona akavezwa sezvinovezerwa imba yamambo; |
| 13 |
| Matura edu achazara nezviyo zvamarudzi ose; Namakwai edu achabereka zviuru negumi rezviuru kumafuro edu. |
| 14 |
| Nzombe dzedu dzichatakudzwa zvizhinji; Hatingaputsirwi madziro, kana kubuda kundorwa, Hakungavi nemhere inoridzwa panzira dzomumusha medu; |
| 15 |
| Vanomufaro vanhu avo, vanoitirwa saizvozvo; Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/psalms/144.mp3
150
144