|
| 1 |
|
| Rumbo rwokurumbidza Mwari mambo Ndinokukudzai Mwari wangu namambo wangu, ndicharumbidza zita renyu narini narini. |
|
| 2 |
|
| Ndichakurumbidzai mazuva ose ndichikudza zita renyu narini narini. |
|
| 3 |
|
| TENZI mukuru uye anofanira kurumbidzwa zvikuru; ukuru hwake haugoni kutsvagurudzwa hukawanikwa. |
|
| 4 |
|
| Chizvarwa chicharumbidza kune chimwe chizvarwa mabasa enyu uye chichaparidza zviito zvesimba renyu. |
|
| 5 |
|
| Ndichanyatsofungisisa nezvomukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki uye nezvamabasa enyu anoshamisa. |
|
| 6 |
|
| Vanhu vachataura nezvesimba rezvamunoita zvinotyisa; ini ndicharondedzera ukuru hwenyu. |
|
| 7 |
|
| Vachakurukura kwazvo mukurumbira wokunaka kwenyu kukuru uye vachaimba zvikuru nezvokururama kwenyu. |
|
| 8 |
|
| TENZI akanaka uye ane tsitsi, haakurumidzi kushatirwa uye azere nemwoyochena. |
|
| 9 |
|
| TENZI akanaka kumunhu wose uye ane tsitsi nechose chaakasika. |
|
| 10 |
|
| Zvose zvamakasika zvichakutendai TENZI uye vatsvene venyu vose vachakutunhidzai; |
|
| 11 |
|
| vachataura nezvembiri youmambo hwenyu vachikurukura nezvesimba renyu, |
|
| 12 |
|
| kuzivisa vanhu simba ramabasa enyu uye mukurumbira woumambo hwenyu husingaitiki. |
|
| 13 |
|
| Umambo hwenyu umambo hwokugara nokugara kutonga kwenyu kunogara kwezvizvarwa nezvizvarwa. TENZI anotendeka pane zvose zvaanotaura uye zvaanoita zvose anozviita nemwoyochena. |
|
| 14 |
|
| TENZI anotsigira vanenge vavakuputsika uye anosimudzira vanenge varasiswa mwoyo. |
|
| 15 |
|
| Meso ose anotarisa kwamuri imi muchivapa chokudya chavo nenguva yakafanira. |
|
| 16 |
|
| Munotambanudza ruoko rwenyu muchigutsa nezvinodiwa nechinhu chose chipenyu. |
|
| 17 |
|
| TENZI akarurama panzira dzake dzose uye ane mwoyochena pane zvose zvaanoita. |
|
| 18 |
|
| TENZI ari pedyo navanodanidzira kwaari kuna vose vanodanidzira kwaari muchokwadi. |
|
| 19 |
|
| Anozadzisa zvido zvavanomutya uye anonzwa kuchema kwavo achivaponesa. |
|
| 20 |
|
| TENZI anochengetedza vose vanomuda asi vakaipa vose anovaparadza. |
|
| 21 |
|
| Muromo wangu uchataura uchirumbidza TENZI vanhu vose ngavarumbidze zita rake rinoera narini narini. |
|
|
|
|