×

Shona Bible 2002

Mapisarema 146

1
Hareruya! Rumbidzai Jehovha, iwe mweya wangu!
2
Ndicharumbidza Jehovha ndichiri mupenyu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza, ini ndichiripo.
3
Regai kuvimba namachinda, Kana noMwanakomana womunhu, asingagoni kubatsira.
4
Mweya wake unobuda, iye ndokudzokera pasi pake; Nezuva iro mano ake anopera.
5
Anomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Anotarira kuna Jehovha Mwari wake.
6
Iye, akaita kudenga napasi, Negungwa, nezvose zviri mukati mazvo; Iye, anoramba akatendeka nokusingaperi;
7
Anoruramisira vanomanikidzwa; Anopa vane nzara zvokudya; Jehovha anosunungura vasungwa;
8
Jehovha anosvinudza meso amapofu; Jehovha anosimudza vakakotamiswa pasi; Jehovha anoda vakarurama;
9
Jehovha anochengeta vatorwa; Jehovha anotsigira nherera nechirikadzi; Asi nzira yavakaipa anoipesanisa.
10
Jehovha achabata ushe nokusingaperi, Mwari wako, iwe Zioni, kusvikira kumarudzi namarudzi. Hareruya!
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa