Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Areruya. Imbirai TENZI rumbo rutsva murumbidzei mugungano ravakarurama. |
| 2 |
| Isiraeri ngaifare noMusiki wayo; vana veZioni ngavafare naMambo wavo. |
| 3 |
| Ngavarumbidze zita rake vachitamba, vachiridza tambureni nezvipendani |
| 4 |
| nokuti TENZI anofadzwa navanhu vake anokudza varombo nokuita kuti vakunde. |
| 5 |
| Vakarurama ngavapembere kukurira. Ngavaimbe norufaro vari mumasofa avo. |
| 6 |
| Ngavapururudze namagure pahuro vaine mapakatwa omucheka kose mumaoko. |
| 7 |
| Kutsividza vechirudzi uye kuranga marudzi |
| 8 |
| vachisunga madzimambo avo nengetani namachinda avo namakechemu esimbi |
| 9 |
| kuti vavape chirango chakanyorwa. Iyi ndiyo mbiri yavakarurama vake vose. Areruya. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/149.mp3
150
149