Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Hareruya! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, Nokurumbidzwa kwake paungano yavatsvene. |
| 2 |
| Isiraeri ngaafarire kwazvo musiki wake; Vana veZioni ngavave nomufaro naMambo wavo. |
| 3 |
| Ngavarumbidze zita rake vachimutambira; Ngavamuimbire nziyo dzokurumbidza nengoma nembira. |
| 4 |
| Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake; Achashongedza vanyoro noruponeso; |
| 5 |
| Vatsvene ngavafare kwazvo nokukudziwa; Ngavaimbe nomufaro panhoo dzavo. |
| 6 |
| Kurumbidza kukuru kwaMwari ngakuve pahuro dzavo, Nomunondo unocheka kwose paruoko rwavo; |
| 7 |
| Kuti vatsive vahedheni; Varange ndudzi dzavanhu; |
| 8 |
| Kuti vasunge madzimambo avo neketani, Navakuru vavo nezvisungo zvamatare. |
| 9 |
| Kuti vavaitire zvavakatongerwa zvakanyorwa; Vatsvene vake vose vachakudzwa naizvozvi. Hareruya! |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/149.mp3
150
149