Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Munamato wokuvimba naMwari Ndichengetei Mwari nokuti ndinopotera mamuri. |
| 2 |
| Ndinoti kuna TENZI, “Imi ndimi TENZI wangu. Kunze kwenyu imi handina chimwe chakanaka.” |
| 3 |
| Varurami vari munyika ndivo vokumbahuru. Ndinofadzwa kwazvo navo. |
| 4 |
| Vanozvisarudzira mumwe mwari, vanozviwanzira nhamo. Handisi kuzopira kwavari miteuro yeropa. Handifi ndadaidza mazita avo nomuromo wangu. |
| 5 |
| TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu. Nhaka yangu iri mumaoko ake. |
| 6 |
| Muganhu wangu waenda napakanaka. Hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu. |
| 7 |
| Ndinorumbidza TENZI anondipa mazano kunyange usiku, mwoyo wangu unondinyevera. |
| 8 |
| Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose; nokuti ari kurudyi rwangu, handitsuduguki. |
| 9 |
| Naizvozvo mwoyo wangu unofara, mweya wangu unopembera; kana muviri wangu uchava norugare. |
| 10 |
| Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva. |
| 11 |
| Munondiratidza nzira youpenyu; pamuri ndipo pane rufaro ruzere kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/016.mp3
150
16