Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi. |
| 2 |
| Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.” |
| 3 |
| Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru. |
| 4 |
| Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu. |
| 5 |
| Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu. |
| 6 |
| Tambo yokuyera yakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka. |
| 7 |
| Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku. |
| 8 |
| Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi. |
| 9 |
| Naizvozvo mwoyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguo ichagara yakachengetwa. |
| 10 |
| Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora. |
| 11 |
| Muchandiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/016.mp3
150
16