|
| 1 |
|
| "Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu." |
|
| 2 |
|
| Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; nhovo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira. |
|
| 3 |
|
| Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. |
|
| 4 |
|
| Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. |
|
| 5 |
|
| Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira. |
|
| 6 |
|
| Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. |
|
| 7 |
|
| Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzikadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. |
|
| 8 |
|
| Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. |
|
| 9 |
|
| Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. |
|
| 10 |
|
| Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. |
|
| 11 |
|
| Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. |
|
| 12 |
|
| Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. |
|
| 13 |
|
| Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nenzwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto. |
|
| 14 |
|
| Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa. |
|
| 15 |
|
| Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema komweya wemhino dzenyu. |
|
| 16 |
|
| Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. |
|
| 17 |
|
| Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira. |
|
| 18 |
|
| Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. |
|
| 19 |
|
| Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira. |
|
| 20 |
|
| Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. |
|
| 21 |
|
| Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. |
|
| 22 |
|
| Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema. |
|
| 23 |
|
| Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu. |
|
| 24 |
|
| Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. |
|
| 25 |
|
| Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; |
|
| 26 |
|
| Akanaka munomuitirawo zvakanaka, nowakatsauka, munomuitirawo nehasha. |
|
| 27 |
|
| Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza. |
|
| 28 |
|
| Nokuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu. |
|
| 29 |
|
| Nokuti nemwi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. |
|
| 30 |
|
| Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhovo yavose vanovimba naye. |
|
| 31 |
|
| Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? |
|
| 32 |
|
| Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. |
|
| 33 |
|
| Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. |
|
| 34 |
|
| Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anobwembura uta bwendarira. |
|
| 35 |
|
| Makandipawo nhovo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro bwenyu hwakandiita mukuru. |
|
| 36 |
|
| Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. |
|
| 37 |
|
| Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. |
|
| 38 |
|
| Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. |
|
| 39 |
|
| Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. |
|
| 40 |
|
| Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. |
|
| 41 |
|
| Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. |
|
| 42 |
|
| Ipapo ndakavapwanya-pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. |
|
| 43 |
|
| Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. |
|
| 44 |
|
| Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. |
|
| 45 |
|
| Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. |
|
| 46 |
|
| Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. |
|
| 47 |
|
| Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. |
|
| 48 |
|
| Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. |
|
| 49 |
|
| Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. |
|
| 50 |
|
| Anopa mambo wake kuponeswa kukuru;,Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi. |
|
|
|
|