Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Rwiyo rwaDhavhidhi rwokukunda Ndinokudai TENZI, imi simba rangu. |
| 2 |
| TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. |
| 3 |
| Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. |
| 4 |
| Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. |
| 5 |
| Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. |
| 6 |
| Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. |
| 7 |
| Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. |
| 8 |
| Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. |
| 9 |
| Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. |
| 10 |
| Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. |
| 11 |
| Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. |
| 12 |
| Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. |
| 13 |
| TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto. |
| 14 |
| Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara. |
| 15 |
| Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu. |
| 16 |
| Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. |
| 17 |
| Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. |
| 18 |
| Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu. |
| 19 |
| Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira. |
| 20 |
| TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro |
| 21 |
| nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu, |
| 22 |
| nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri. |
| 23 |
| Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. |
| 24 |
| Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake. |
| 25 |
| Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama. |
| 26 |
| Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. |
| 27 |
| Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora. |
| 28 |
| Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; |
| 29 |
| nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. |
| 30 |
| Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari. |
| 31 |
| Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu? |
| 32 |
| Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike. |
| 33 |
| Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire. |
| 34 |
| Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura. |
| 35 |
| Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru. |
| 36 |
| Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina. |
| 37 |
| Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu. |
| 38 |
| Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. |
| 39 |
| Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. |
| 40 |
| Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza. |
| 41 |
| Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura. |
| 42 |
| Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira. |
| 43 |
| Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira. |
| 44 |
| Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera. |
| 45 |
| Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera. |
| 46 |
| TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu. |
| 47 |
| Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu |
| 48 |
| akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. |
| 49 |
| Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. |
| 50 |
| Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/018.mp3
150
18