Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| “Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.” |
| 2 |
| Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira. |
| 3 |
| Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. |
| 4 |
| Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. |
| 5 |
| Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira. |
| 6 |
| Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. |
| 7 |
| Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. |
| 8 |
| Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. |
| 9 |
| Akakotamisa kudenga–dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. |
| 10 |
| Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. |
| 11 |
| Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. |
| 12 |
| Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. |
| 13 |
| Jehovha akatinhirawo kudenga–denga, Wokumusorosoro akataura nezwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto. |
| 14 |
| Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa. |
| 15 |
| Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu. |
| 16 |
| Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji. |
| 17 |
| Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga, nokuti vakanga vondikurira. |
| 18 |
| Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. |
| 19 |
| Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti akanga achindifarira. |
| 20 |
| Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubairo wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. |
| 21 |
| Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. |
| 22 |
| Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu, Handina kusundira kure neni zvaakatema. |
| 23 |
| Ndakanga ndakaruramawo kwaari, Ndakazvichengeta ini pazvakaipa zvangu. |
| 24 |
| Naizvozvo Jehovha akandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwamaoko angu pamberi pake. |
| 25 |
| Ane ngoni munomuitirawo nengoni, Nomunhu wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; |
| 26 |
| Akanaka munomuitirawo zvakanaka, Nowakatsauka, munomuitirawo nehasha. |
| 27 |
| Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza. |
| 28 |
| Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu. |
| 29 |
| Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. |
| 30 |
| Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanovimba naye. |
| 31 |
| Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? |
| 32 |
| Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. |
| 33 |
| Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. |
| 34 |
| Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. |
| 35 |
| Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. |
| 36 |
| Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. |
| 37 |
| Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. |
| 38 |
| Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. |
| 39 |
| Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. |
| 40 |
| Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. |
| 41 |
| Vakachema, asi kwakanga kusina anoponesa, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. |
| 42 |
| Ipapo ndakavapwanya–pwanya seguruva pamberi pemhepo; Ndakavarashira kure samatope enzira dzomumusha. |
| 43 |
| Makandirwira pakukakavadzana kwavanhu; Makandiita mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. |
| 44 |
| Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa, Vatorwa vachanamata kwandiri. |
| 45 |
| Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. |
| 46 |
| Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari wokuponeswa kwangu ngaarumbidzwe. |
| 47 |
| Ndiye Mwari anonditsivira, Anondikundisa ndudzi dzavanhu. |
| 48 |
| Iye anondirwira kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira. Munondirwira pamunhu anomanikidza. |
| 49 |
| Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokukudza. |
| 50 |
| Anopa mambo wake kuponeswa kukuru; Anoitira muzodzwa wake unyoro, Iye Dhavhidhi nomwana wake nokusingaperi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/018.mp3
150
18