Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ndudzi dzinoitireiko ɓope, Naʋanhu ʋanofuŋgireiko ɀisinamaturo? |
| 2 |
| Madzimambo enyika anoɀigadzira, Naʋaɓati ʋanoraŋgana, Kuzorwa naJehova nomuzodziwa wake, ʋaciti: |
| 3 |
| Ŋgatiɗambure ɀisuŋgo ɀaʋo, Ŋgatirashe maɓote aʋo abve kwatiri. |
| 4 |
| Iye, ugere kuɗeŋga‐ɗeŋga, ucaseka; Ishe ucaʋaɗaɗira. |
| 5 |
| Ipapo ucataura kwaʋari pakutsamŋa kwake, Nokuʋavundusa pahasha dzake huru; |
| 6 |
| Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakagadza mambo waŋgu PaZioni, iro gomo raŋgu dɀene. |
| 7 |
| Ndicaparidza cireʋo, cinoti: Jehova wakati kwandiri: Ndiwe mŋanakomana waŋgu; Nhasi ndakakuɓereka. |
| 8 |
| Kumbira kwandiri, ndi ku pe ndudzi iʋe nhaka yako, Nemigumo yenyika ɀiʋe ɀako. |
| 9 |
| Mucaʋapxanya netȿimbo yoʋutare; Mucaʋaputsanya sehari yomuʋumbi. |
| 10 |
| Ɀino ciʋai nenjere, imi madzimambo; Munyeʋerwe, imi ʋatoŋgi ʋenyika. |
| 11 |
| Shumirai Jehova nokutya, Mufare muciɗeɗera. |
| 12 |
| Ȿetai mŋanakomana, arege kutsamŋa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dziŋgakurumidza kumuka. Ʋakakomborerwa ʋose ʋanoʋimba naye. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/psalms/002.mp3
150
2