Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Ndudzi dzinoitireiko bope, Navanhu vanofungireiko zvisina maturo? |
| 2 |
| Madzimambo enyika anozvigadzira, Navabati vanorangana, Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti, |
| 3 |
| “Ngatidambure zvisungo zvavo, Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.” |
| 4 |
| Iye, agere kudenga-denga, achaseka; Ishe achavadadira. |
| 5 |
| Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake, Nokuvavhundusa pahasha dzake huru; |
| 6 |
| “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene.” |
| 7 |
| Ndichaparidza chirevo, chinoti, “Jehovha akati kwandiri, ‘Ndiwe mwanakomana wangu; Nhasi ndakubereka. |
| 8 |
| Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, Nemigumo yenyika zvive zvako. |
| 9 |
| Muchavapwanya netsvimbo youtare; Muchavaputsanya sehari yomuumbi.’ ” |
| 10 |
| Zvino chivai nenjere, imi madzimambo; Munyeverwe, imi vatongi venyika. |
| 11 |
| Shumirai Jehovha nokutya, Mufare muchidedera. |
| 12 |
| Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa, mufire panzira, Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakakomborerwa vose vanovimba naye. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/psalms/002.mp3
150
2