Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Mufudzi wakanaka TENZI ndiye mufudzi wangu hapana chandinoshaya |
| 2 |
| anondirarisa mumafuro manyoro. Achinditungamirira kumvura inozorodza. |
| 3 |
| Anondimutsiridza mwoyo achinditungamirira munzira dzoururami pamusana pezita rake. |
| 4 |
| Kunyange ndikafamba mumupata werima rakati kwirindindi handingatyi chakaipa nokuti imi muneni. Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. |
| 5 |
| Munondigadzirira tafura pamberi pangu vavengi vangu vachiona, munozora musoro wangu mafuta, mukombe wangu unotofashukira. |
| 6 |
| Chokwadi kunaka kwenyu nomwoyochena wenyu zvicharamba zvineni upenyu hwangu hwose uye ndichagara mumba maTENZI nokusingaperi. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/023.mp3
150
23