Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Jehovha ndiye mufudzi wangu; Hapana chandingashaiwa. |
| 2 |
| Anondivatisa pasi pamafuro manyoro; Anondisesedza pamvura inozorodza. |
| 3 |
| Anoponesa mweya wangu; Anondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. |
| 4 |
| Zvirokwazvo, kunyangwe ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handingatongotyi zvakaipa; nokuti imi muneni; Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. |
| 5 |
| Munondigadzirira chokudya pamberi pavadzivisi vangu; Makazodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachuka. |
| 6 |
| Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; Ini ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/023.mp3
150
23