|
| 1 |
|
| Jehovha, ndinosimudzira moyo wangu kwamuri. |
|
| 2 |
|
| Mwari wangu, ndinovimba nemi, Ngandirege kunyadziswa; Vavengi vangu ngavarege kundikunda. |
|
| 3 |
|
| Zvirokwazvo, hapana munhu anokumirirai anganyadziswa; Vachanyadziswa ndivo vanonyengera pasina chinhu. |
|
| 4 |
|
| Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; Ndidzidzisei nzira dzenyu. |
|
| 5 |
|
| Ndiperekedzei muchokwadi yenyu, mundidzidzise; Nokuti ndimi Mwari muponesi wangu; Ndinokutarirai zuva rose. |
|
| 6 |
|
| Rangarirai, Jehovha, nyasha yenyu huru nounyoro bwenyu; Nokuti zvaivapo kare nakare. |
|
| 7 |
|
| Regai kurangarira zvivi zvohuduku hwangu, nokudarika kwangu; Mundirangarire nounyoro bwenyu, Nokuda kokunaka kwenyu, |
|
| 8 |
|
| Jehovha. akanaka, akarurama; Saka acharaira vatadzi panzira. |
|
| 9 |
|
| Achaperekedza vanyoro munezvakarurama; Achadzidzisa vanyoro nzira yake. |
|
| 10 |
|
| Nzira dzose dzaJehovha ndedzounyoro nechokwadi Kunavanochengeta sungano yake nezvipupuriro zvake. |
|
| 11 |
|
| Nokuda kwezita renyu, Jehovha, Kangamwirai zvakaipa zvangu, nokuti zvikuru. |
|
| 12 |
|
| Munhu ndoupiko anotya Jehovha? Ndiye waachadzidzisa nzira yaanofanira kusanangura. |
|
| 13 |
|
| Mweya wake uchagara zvakanaka; Uye vana vake vachagara nhaka yenyika. |
|
| 14 |
|
| Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya; Achavaratidza sungano yake. |
|
| 15 |
|
| Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha; Nokuti anobvisa tsoka dzangu pamumbure. |
|
| 16 |
|
| Ringirai kwandiri, mundinzwire nyasha; Nokuti ndiri ndoga, ndinotambudzika. |
|
| 17 |
|
| matambudziko omoyo wangu awanda kwazvo; Haiwa, ndibudisei panjodzi dzangu. |
|
| 18 |
|
| Tarirai kutambudzika kwangu nokurwadziwa kwangu; Mundikangamwire zvivi zvangu zvose. |
|
| 19 |
|
| Tarirai vavengi vangu, nokuti vazhinji; Vanondivenga nehasha dzembengo. |
|
| 20 |
|
| Chengetai mweya wangu mundirwire; Ndirege kunyadziswa, nokuti ndinovimba nemi. |
|
| 21 |
|
| Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, Nokuti ndinokumirirai. |
|
| 22 |
|
| dzikunurai Isiraeri, imwi Mwari, Panjodzi dzake dzose. |
|
|
|
|