Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Nditongerei Jehovha, nokuti ndakafamba nokusanyengera kwangu; Ndakavimbawo naJehovha ndisinganyunyuti. |
| 2 |
| Ndinzverei Jehovha, ndiidzei, Natsai itsvo dzangu nomoyo wangu. |
| 3 |
| Nokuti unyoro bwenyu huri pamberi pameso angu, Ndakafamba muchokwadi chenyu. |
| 4 |
| Handina kugara navanhu venhema, Handingafambidzani navanyengeri. |
| 5 |
| Ndinovenga ungano yavanoita zvakaipa, Handingagari navatadzi. |
| 6 |
| Ndichashambidza maoko angu ndisina mhosva; Ndigopoteredza aritari yenyu saizvozvo, Jehovha. |
| 7 |
| Kuti ndiparidze nenzwi rokuvonga, Ndiudze vanhu zvamabasa enyu ose anoshamisa. |
| 8 |
| Jehovha, ndinoda hugaro bweimba yenyu, Nenzvimbo panogara kubwinya kwenyu. |
| 9 |
| Regai kusanganisa mweya wangu pamwechete navatadzi, Noupenyu hwangu navateuri veropa; |
| 10 |
| Vakabata zvakashata pamaoko avo, Ruoko rwavo rworudyi ruzere nefufuro. |
| 11 |
| Asi kana ndirini ndichafamba nokusanyengera kwangu; Ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi. |
| 12 |
| Rutsoka rwangu rumire pakati chechetere; Ndicharumbidza Jehovha paungano |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/026.mp3
150
26