Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Munamato womunhu asina mhosva TENZI ratidzai kuti handina mhosva nokuti ndakafamba muchokwadi uye ndakavimba nemi TENZI ndisingazunguziki |
| 2 |
| Ndivhenekei TENZI mundiedze munyatsopenengura pfungwa dzangu nemwoyo wangu. |
| 3 |
| Nokuti mwoyochena wenyu ndinogara ndichiuona uye ndinofamba ndakatendeka kwamuri. |
| 4 |
| Handigare navanyengedzi kana kufambidzana navasiri pachokwadi. |
| 5 |
| Ndinovenga gungano ravakaipa uye handitandare navakaipa. |
| 6 |
| Ndinoshamba maoko angu ndisina mhosva. Ndigotendererawo atari yenyu TENZI |
| 7 |
| ndichiimba rwiyo rwokutenda ndichiparidza zvamakaita zvinoshamisa. |
| 8 |
| TENZI, ini ndinoda Imba yamunogara, nzvimbo inogara mbiri yenyu. |
| 9 |
| Musanditsvaire pamwechete navatadzi kana kutsvaira upenyu hwangu pamwechete navaurai, |
| 10 |
| vanhu vana maoko oujarijari, vazere muruoko rworudyi nepfumbamuromo. |
| 11 |
| Asi kana ndirini ndinofamba pachokwadi. Ndinunurei mundinzwirewo ngoni. |
| 12 |
| Tsoka yangu iri pakati sandara, mukati megungano guru ndicharumbidza, TENZI. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/026.mp3
150
26