Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwana wake Abhusaromu. Nhai TENZI, kuwanda here ikoko kwakaita mhandu dzangu! Vazhinji vavakundimukira. |
| 2 |
| Vazhinji vari kunditi, “Mwari haambomubatsira.” Dzepfunde |
| 3 |
| Asi kwandiri imi TENZI ndimi nhoo yangu. Ndimi mbiri yangu, uye ndimi munoita kuti ndisimudze musoro. |
| 4 |
| Ndinodaidzira nezwi rangu kuna TENZI? Iye achandipindura ari mugomo rake rinoera. Dzepfunde |
| 5 |
| Ndinongoti pasi rarei ndobva ndakotsira. Ndozomukazve nokuti TENZI anondichengeta. |
| 6 |
| Handityi zviuru zvavanhu zvakazanirana, zvavanhu varongana vakandikomba, vanoda kundirwisa. |
| 7 |
| Simukai TENZI, ndinunureiwo Mwari wangu nokuti imi, munorova mhandu dzangu dzose padama. Vakaipa munovagura meno. |
| 8 |
| TENZI ndiye anonunura. Chikomborero chenyu ngachive pavanhu venyu. Dzepfunde |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/003.mp3
150
3