Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vawanda sei! Vazhinji vanondimukira. |
| 2 |
| Vazhinji variko vanoti kumweya wangu, “Haano ruponeso kuna Mwari.” |
| 3 |
| Asi imi Jehovha muri nhoo yangu kumativi ose; Kudzo yangu, nomusimudzi womusoro wangu, |
| 4 |
| Ndinodana kuna Jehovha nezwi rangu, Iye anondipindura ari pagomo rake dzvene. |
| 5 |
| Ndakavata pasi ndikabatwa nehope; Ndikamuka; nokuti Jehovha anonditsigira. |
| 6 |
| Handingatyi zviuru zvamazana zvavanhu, Vakandikomberedza kuzorwa neni. |
| 7 |
| Simukai, Jehovha; ndirwirei, Mwari wangu; Nokuti makarova vavengi vangu vose pashaya dzavo; Makavhuna meno avakaipa. |
| 8 |
| Ruponeso runobva kuna Jehovha; Kukomborera kwenyu ngakuve pamusoro pavanhu venyu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/psalms/003.mp3
150
3