|
| 1 |
|
| Farisai muna Jehovha, imi vakarurama; Kurumbidza kwakafanira vakarurama. |
|
| 2 |
|
| Vongai Jehovha nembira; Muimbirei nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso dzine gumi. |
|
| 3 |
|
| Muimbirei rwiyo rutsva; Ridzai zvakanaka nokuridza kukuru. |
|
| 4 |
|
| Nokuti shoko raJehovha rakarurama, Anoita zvose nokutendeka. |
|
| 5 |
|
| Iye anoda kururama noruenzaniso; Nyika izere nounyoro hwaJehovha. |
|
| 6 |
|
| Kudenga–denga kwakaitwa neshoko raJehovha, Uye hondo dzose dzoko nokufema kwomuromo wake. |
|
| 7 |
|
| Anounganidza mvura zhinji yegungwa pamwechete somurwi; Anochengeta mvura zhinji dzakadzika mumatura. |
|
| 8 |
|
| Nyika yose ngaitye Jehovha; Vose vagere panyika ngavadedere pamberi pake. |
|
| 9 |
|
| Nokuti iye akataura, zvikaitika; Akaraira, zvikamira zvikasimba. |
|
| 10 |
|
| Jehovha anoparadza zano ravahedheni; Mifungo yendudzi dzavanhu anoishaisa simba. |
|
| 11 |
|
| Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi, Nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kundudzi dzose. |
|
| 12 |
|
| Rwakakomborerwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo; Rudzi rwaakatsaura kuva nhaka yake. |
|
| 13 |
|
| Jehovha anotarira ari kudenga; Anoona vanakomana vose vavanhu; |
|
| 14 |
|
| Anotarira ari ipapo paagere Achiona vanhu vose vagere panyika. |
|
| 15 |
|
| Iye anoumba mwoyo yavo vose, Anocherechedza mabasa avo ose |
|
| 16 |
|
| Hapana mambo anoponeswa nokuwanda kwehondo; Mhare hairwirwi nesimba guru. |
|
| 17 |
|
| Bhiza haribatsiri pakukunda; Harigoni kurwira nesimba raro guru. |
|
| 18 |
|
| Tarirai, ziso raJehovha rinotarira vanomutya, Ivo, vanorindira tsitsi dzake; |
|
| 19 |
|
| Kurwira mweya wavo parufu, Nokuvararamisa panguva yenzara. |
|
| 20 |
|
| Mweya yedu yakarindira Jehovha; Ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu. |
|
| 21 |
|
| Nokuti mwoyo yedu ichafara kwazvo maari, Zvatakavimba nezita rake dzvene. |
|
| 22 |
|
| Tsitsi dzenyu ngadzive nesu, Jehovha, Sezvatakakurindirai. |
|
|
|
|