Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; Irwai navanorwa neni. |
| 2 |
| Torai nhoo huru neduku, Musimuke kundibatsira. |
| 3 |
| Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira yavanonditeverera, Itiyi kumweya wangu, “Ndini muponesi wako.” |
| 4 |
| Vanotsvaka mweya wangu ngavanyadziswe, vazvidzwe; Vanofunga kundiitira zvakaipa ngavadzoserwe shure vakanganiswe. |
| 5 |
| Ngavafanane nehundi inopupuruswa nemhepo, Mutumwa waJehovha achivasundira. |
| 6 |
| Nzira yavo ngaive nerima, itedze, Mutumwa waJehovha achivateverera. |
| 7 |
| Nokuti ndisina mhosva vakandivanzira mimbure yavo muhunza, Ndisina mhosva vakacherera mweya wangu hunza. |
| 8 |
| Kuparadzwa ngakumuwire akangofara; Uye mumbure wake waakavanza ngaumubate amene; Ngaawiremo aparadzwe. |
| 9 |
| Mweya wangu uchafarira Jehovha Uchafarira kuponesa kwake. |
| 10 |
| Mapfupa angu ose achati, “Jehovha ndianiko akafanana nemi, Imi munorwira murombo panaiye akamukurira nesimba, Iye murombo nomushaiwi panoanomupamba?” |
| 11 |
| Zvapupu zvisina kururama zvinosimuka; Zvinondibvunza zvinhu zvandisingazivi. |
| 12 |
| Zvakanaka zvangu vanozvitsiva nezvakaipa, Vachibira mweya wangu. |
| 13 |
| Asi kana ndirini, pakurwara kwavo ndakafuka masaga; Ndakatambudza mweya wangu ndichizvinyima zvokudya; Munyengetero wangu ukadzokera kuchipfuva changu. |
| 14 |
| Ndakaita seyaiva shamwari yangu kana hama yangu; Ndakakotama ndichichema, somunhu anochema mai vake. |
| 15 |
| Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwechete; Vanhu vakashata kwazvo vakaungana kuzorwa neni, navandakanga ndisingazivi; Vakandibvambura, vasingaregi; |
| 16 |
| Savadadiri vakaipa pamitambo Vakandirumanyira meno avo. |
| 17 |
| Jehovha, muchatarira izvozvo kusvikira riniko? Rwirai mweya wangu pakuparadza kwavo, Mudikanwa wangu pashumba. |
| 18 |
| Ndichakuvongai paungano huru; Ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. |
| 19 |
| Vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kufara pamusoro pangu; Uye vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kubwaira neziso. |
| 20 |
| Nokuti havatauri rugare; Asi vanofungira avo vanyerere panyika mashoko okunyengera. |
| 21 |
| Zvirokwazvo, vakandishamisira miromo yavo; Vakati, “Hekani, hekani! Meso edu akazviona.” |
| 22 |
| Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kugara kure neni. |
| 23 |
| Zvimutsei, mukai mundiruramisire; Mutambe mhaka yangu, Mwari wangu naShe wangu. |
| 24 |
| Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, nokururama kwenyu; Ngavarege kufara pamusoro pangu. |
| 25 |
| Ngavarege kuti mumwoyo mavo, “Hekani, ndizvo zvatanga tichida;” Ngavarege kuti, “Tamumedza.” |
| 26 |
| Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwechete, ivo vanofarira kutambudzika kwangu; Ngavafukidzwe nokunyara nokuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu. |
| 27 |
| Ngavadanidzire nomufaro, vafare, ivo vanoda kururamiswa kwemhaka yangu; Ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, Iye, anofarira kufara kwomuranda wake.” |
| 28 |
| Ipapo rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, Nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/psalms/035.mp3
150
35