|
| 1 |
|
| Pisarema raDhavhidhi. [1] Haiwa Jehovha, kakavadzanai navanokakavadzana neni; rwisai avo vanondirwisa. |
|
| 2 |
|
| Torai nhoo huru neduku; simukai, uye uyai mundibatsire. |
|
| 3 |
|
| Vheyesai pfumo guru nepfumo diki murwise avo vanonditevera. Muti kumweya wangu, “Ndini ruponeso rwako.” |
|
| 4 |
|
| Vanotsvaka kundiuraya ngavazvidzwe uye vanyadziswe; vanorangana kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vachitya. |
|
| 5 |
|
| Ngavaite sehundi pamberi pemhepo, mutumwa waJehovha achivasundira kure; |
|
| 6 |
|
| nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera. |
|
| 7 |
|
| Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva, |
|
| 8 |
|
| kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare. |
|
| 9 |
|
| Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake. |
|
| 10 |
|
| Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.” |
|
| 11 |
|
| Zvapupu zvino utsinye zvinouya mberi; zvinondibvunza pamusoro pezvinhu zvandisingazivi. |
|
| 12 |
|
| Vanotsiva zvakanaka zvangu nezvakaipa, uye vanosiya mweya wangu uchidzungaira. |
|
| 13 |
|
| Asi pavairwara, ndakafuka nguo dzamasaga ndikazvininipisa nokutsanya. Munyengetero wangu pawakadzokera kwandiri usina mhinduro, |
|
| 14 |
|
| ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu. |
|
| 15 |
|
| Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi. |
|
| 16 |
|
| Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo. |
|
| 17 |
|
| Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi. |
|
| 18 |
|
| Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji. |
|
| 19 |
|
| Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga. |
|
| 20 |
|
| Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika. |
|
| 21 |
|
| Vanondishamira miromo yavo vachiti, “Hekani waro! Hekani waro! Tazviona nameso edu.” |
|
| 22 |
|
| Haiwa Jehovha, mazviona izvi; regai kunyarara. Regai kuva kure neni, imi Ishe. |
|
| 23 |
|
| Mukai uye simukai mundirwire! Ndirwirei, Mwari wangu naIshe wangu. |
|
| 24 |
|
| Ndiruramisirei mukururama kwenyu, imi Jehovha Mwari wangu; musarega vachifara pamusoro pangu. |
|
| 25 |
|
| Musarega vachifunga mumwoyo mavo vachiti, “Hekani waro ndizvo zvatanga tichida!” kana kuti vati, “Tamumedza chose.” |
|
| 26 |
|
| Vose vanofarira kutambudzika kwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanozvisimudzira pamusoro pangu ngavafukidzwe nenyadzi nokuzvidzwa. |
|
| 27 |
|
| Vose vanofarira kururamisirwa kwangu ngavapembere nomufaro nokufarisisa; ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe, iye anofarira kugara zvakanaka kwavaranda vake.” |
|
| 28 |
|
| Rurimi rwangu ruchataura zvokururama kwenyu, uye nezvokurumbidzwa kwenyu zuva rose. |
|
|
|
|