Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Uipi homunhu noururami hwaMwari Chitadzo chinotaura revo kune wakaipa mukatikati memwoyo wake chichiti kwaari zvokutya Mwari hapana. |
| 2 |
| Anozvibata kumeso mukufunga kwake achiti: uipi hwake haugone kuzivikanwa nokuvengwa. |
| 3 |
| Mazwi anobva pamuromo pake akaipa uye ndookunyengedza. Haachaiti zvina ungwaru kana zvakanaka. |
| 4 |
| Anoronga zvinhu zvakaipa ari paanorara wotobva wozvirongera gwara risina kunaka; haavengi uipi. |
| 5 |
| Mwoyochena wenyu, TENZI, unosvika kumatenga; uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. |
| 6 |
| Ururami hwenyu hwakaita samakomo aMwari; kutonga kwenyu kwaita sehwenje hwakadzika munonunura munhu nemhuka, TENZI. |
| 7 |
| Hakusi kukosha ikoko kwakaita mwoyochena wenyu Mwari! Vanhu vanopotera mumumvuri wamapapiro enyu. |
| 8 |
| Vanodyiririra zvakawanda zvomumba menyu. Munovanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu. |
| 9 |
| Imi ndimi mune chisipiti choupenyu muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza. |
| 10 |
| Rambai muchiita mwoyochena wenyu kuna vanokuzivai uye muponese vano mwoyo yakarurama. |
| 11 |
| Rutsoka rwavanozvikudza ngarurege kunditsika kana kutinhwa noruoko rwowakaipa. |
| 12 |
| Ipapo vakaipa vachati rakata kurara, vachati umburu pasi, vasisagoni kusimuka. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/036.mp3
150
36