×

Shona SUB Bible 2002

Mapisarema 36

1
Kudarika kwoakaipa kunoreva mumwoyo mangu, kuchiti, “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”
2
Nokuti anozvibata kumeso kwake, Achiti zvakaipa zvake hazvingazikanwi zvikavengwa.
3
Mashoko omuromo wake ndizvo zvakaipa nokunyengera; Akarega kuzova akachenjera nokuita zvakanaka.
4
Anofunga zvakaipa panhoo dzake; Anofamba nenzira isina kunaka; Haasemi zvakaipa.
5
Unyoro hwenyu, Jehovha, hwakasvika kudenga–denga; Kutendeka kwenyu kunosvikira kumakore;
6
Kururama kwenyu kwakafanana namakomo aMwari; Kutonga kwenyu kwakadzika zvikuru; Jehovha, munochengeta vanhu nemhuka.
7
Unyoro hwenyu, Mwari, hwakanaka–naka sei! Vana vavanhu vanondovanda pasi pomumvuri wamapapiro enyu.
8
Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; Muchavanwisa parwizi rwezvinofadza zvenyu;
9
Nokuti kwamuri ndiko kune tsime roupenyu; Muchiedza chenyu ndimo matinoona chiedza.
10
Rambai muchiitira vanokuzivai unyoro hwenyu; Nokururama kwenyu kuna vano mwoyo yakarurama.
11
Rutsoka rwoanozvikudza ngarurege kusvikira kwandiri, Ruoko rwoakaipa ngarurege kundidzinga.
12
Apo ndopakawira pasi vaiti vezvakaipa, Vakawisirwa pasi, havangagoni kumukazve.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa