|
| 1 |
|
| Haiwa Jehovha, regai kundiraira pakutsamwa kwenyu, Musandiranga nokusafara kwenyu kukuru. |
|
| 2 |
|
| Nokuti miseve yenyu yandibaya, Ruoko rwenyu runonditsikirira kwazvo. |
|
| 3 |
|
| Hakuchina hukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu; Uye hapachina mufaro pamapfupa angu nokuda kwechivi changu. |
|
| 4 |
|
| Nokuti zvakaipa zvangu zvafukidza musoro wangu; Zvinondiremera somutoro unorema. |
|
| 5 |
|
| Maronda angu anonhuwa, akaora, Nokuda kohupenzi hwangu. |
|
| 6 |
|
| Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kwazvo, Ndinofamba ndichichema zuva rose. |
|
| 7 |
|
| Nokuti chiuno changu chinopisa zvikuru; Hakuchina hukukutu panyama yangu. |
|
| 8 |
|
| Ndakati rukutu, ndavhunika kwazvo; Ndakagomera nokuda kokutambudzika komoyo wangu. |
|
| 9 |
|
| Ishe, zvose zvinoda moyo wangu zviri pamberi penyu; Hamuna kuvanzirwa kugomba kwangu. |
|
| 10 |
|
| moyo wangu unopfura, ndapererwa nesimba rangu; Kana chiri chiedza chameso angu, naicho chabva kwandiri. |
|
| 11 |
|
| Vanondida, neshamwari dzangu, vanomira kure nokuda kwehosha yangu; Uye hama dzangu dzimire kure. |
|
| 12 |
|
| Vanotsvaka upenyu hwangu vanonditeyira misungo; Uye vanotsvaka kundikuvadza vanotaura zvokuparadzwa kwangu, Asi vanofunga kundinyengera zuva rose. |
|
| 13 |
|
| Asi ini ndakafanana nematsi, handinzwi; Ndakafanana nembeveve isingashamisi muromo wayo. |
|
| 14 |
|
| Zvirokwazvo, ndakafanana nomunhu asinganzwi, Asina mhinduro pamuromo wake. |
|
| 15 |
|
| Nokuti ndimi, Jehovha, wandinotarira; imwi muchapindura, Jehovha Mwari wangu. |
|
| 16 |
|
| Nokuti ndakati, "Ngavarege kufara pamusoro pangu; Kana rutsoka rwangu ruchitedzemuka, vanozvikudza pamusoro pangu." |
|
| 17 |
|
| Nokuti ndinovavarira kugumburwa, Uye njodzi yangu iri pamberi pangu nguva dzose. |
|
| 18 |
|
| Nokuti ndichazvireurura zvakaipa zvangu; Ndichachema zvivi zvangu. |
|
| 19 |
|
| Asi vavengi vangu vakasvinuka, vane simba, Uye vanondivenga ndisina mhosva vawanda. |
|
| 20 |
|
| Naivowo vanotsiva zvakaipa nezvakanaka, Ndivo vadzivisi vangu, nokuti ndinotevera chinhu chakanaka. |
|
| 21 |
|
| Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, regai kuva kure neni. |
|
| 22 |
|
| Kurumidzai kundibatsira, Ishe, imwi muponesi wangu. |
|
|
|
|