|
| 1 |
|
| Munamato womunhu warwara TENZI regai kunditsiura muine hasha, musandirove makashatirwa |
|
| 2 |
|
| nokuti miseve yenyu yanyatsondibaya kwazvo. Shamhu yoruoko rwenyu yakandirova. |
|
| 3 |
|
| Hapana pachiri papenyu mumuviri wangu pamusana pokushatirwa kwenyu. Mumapfupa angu hamuna utano pamusana pechitadzo changu |
|
| 4 |
|
| nokuti uipi hwanditi momote musoro, hunondiremera somutoro wandisingagoni kutakura. |
|
| 5 |
|
| Maronda angu ava kuora uye avakunhuhwa pamusana poupenzi hwangu. |
|
| 6 |
|
| Ndanyatsoti kokova, ndakombama ndinofamba ndichiungudza zuva rose. |
|
| 7 |
|
| Muchiuno mangu muri kundipisa, hapana papenyu mumuviri wangu. |
|
| 8 |
|
| Ndachiti rukutu ndapera basa ini. Ndinowuwura nokuda kwokushushika kwangu mumwoyo. |
|
| 9 |
|
| TENZI zvandinosuwira munozviziva kugomera kwangu kuri pachena kwamuri. |
|
| 10 |
|
| Hana yangu inorova, uye ndapera simba, maziso anguwo avakuonera madzerere. |
|
| 11 |
|
| Hama neshamwari dzavakumirira kure neni nokuda kwechirwere changu. Vapadyo vava kutaramukana neni. |
|
| 12 |
|
| Vanoda kundiuraya vanonditeya vanoda kundikuvadza vanotaurirana zvokundiparadza vanoswerondirangana zuva rose. |
|
| 13 |
|
| Asi ini ndinoita zvangu samatsi asinganzwi sechimumumu chisingatauri. |
|
| 14 |
|
| Chokwadi ndinoita samatsi anomukanwa musina gakava. |
|
| 15 |
|
| Asi ini ndinotarisira kwamuri TENZI asi imi TENZI Mwari wangu ndimi muchapindura |
|
| 16 |
|
| nokuti ndinoti, “Ngavarege kunditsvinyira vanondidadira kana ndatsvedza.” |
|
| 17 |
|
| Ndavakuda kuputsika uye ndiri kuramba ndichirwadziwa. |
|
| 18 |
|
| Ndinoreurura zvitadzo zvangu ndine urombo nechivi changu. |
|
| 19 |
|
| Vavengi vangu vapenyupenyu vakawanda uye vanondivenga, pasina mhosva, vazhinji. |
|
| 20 |
|
| Vanondiitira zvakaipa, ini ndichivaitira zvakanaka, vanondivenga nokuti ndinoita zvakanaka. |
|
| 21 |
|
| Musandirasewo TENZI, Mwari wangu musave kure neni. |
|
| 22 |
|
| Kurumidzai kuzondibatsira Imi TENZI muponesi wangu. |
|
|
|
|