Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Ndakati, "Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu." |
| 2 |
| Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa. |
| 3 |
| moyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati, |
| 4 |
| "Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu." |
| 5 |
| Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi bwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi. |
| 6 |
| Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya. |
| 7 |
| Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri. |
| 8 |
| Ndirwirei pakudarika kwangu kose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi. |
| 9 |
| Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; Nokuti ndimi makazviita. |
| 10 |
| Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu. |
| 11 |
| Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechifusi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake. |
| 12 |
| Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu; Nokuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose. |
| 13 |
| Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/039.mp3
150
39