Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Kureurura kwemunhu ari kurwadziwa Ndakati regai ndingwarire zvandinoita kuti ndirege kutadza norurimi rwangu. Ndichabata muromo wangu kana vakaipa varipo chete. |
| 2 |
| Ndakazviita chimumu zvangu chisingatauri ndakanyarara zvangu asi zvakanga zvisina chazvinobatsira. Kurwadziwa mwoyo kwangu kwatonyanya. |
| 3 |
| Ndakatsva mwoyo mukati mangu pandairangarira ndakatsva neshungu. Ndipo pandakazotaura norurimi rwangu. |
| 4 |
| TENZI ndiziviseiwo magumo angu uye kuwanda kwamazuva angu itaiwo kuti ndizive kusatana kupera kwamazuva angu. |
| 5 |
| Tarisai muone kuti makaita kuti mazuva angu aite sezvanza zvamaoko kureba, nguva youpenyu hwangu hapana zvairi kwamuri. Chokwadi munhu wose akangoita sefemo zvaro. Dzepfunde |
| 6 |
| Zvirokwazvo munhu anofamba somumvuri, chokwadi vanotambudzika nhando; munhu anounganidza asi haazivi anozozvitora. |
| 7 |
| Zvino chandinomirira ipapa chii nhai TENZI? Ndinovimba nemi. |
| 8 |
| Ndinunureiwo kuzvitadzo zvangu. Musandirege ndichishorwa namapenzi. |
| 9 |
| Ndakazviita chimumu chisingazarure muromo nokuti ndimi makazviita. |
| 10 |
| Ndibvisireiwo shamhu yenyu pandiri. Ndasakara nokurohwa neruoko rwenyu. |
| 11 |
| Kana mava kuranga munhu neshamhu muchimutsiura zvitadzo zvake, munoparadza zvaanodisisisa sechitemamachira; chokwadi munhu upi noupi ifemo zvaro. Dzepfunde. |
| 12 |
| Inzwaiwo munamato wangu TENZI munzwe chichemo changu. Musanyararire misodzi yangu nokuti ndiri muenzi wenyu anopfuura mupfuuri zvake akafanana namadzitateguru angu. |
| 13 |
| Musandidzvokore kuti ndifarewo ndisati ndapfuura ndichiva chinhu pasina. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/039.mp3
150
39