×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 4

1
Kumuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzewaya. Rwiyo rwaDhavhidhi. Pandinodanidzira, ndipindureiwo, imi Mwari anorwira zvandinokodzera. Pandakanga ndapinda nhamo, makandifaranutsa. Ndiitireiwo mwoyochena munzwe munamato wangu.
2
Nhaimi vanhu, kusvikira riniko muchirerutsa chiremera changu? Kuchasvikira rini muchifarira mashoko asina maturo nokufarira kuva vanazinyepera? Dzepfunde
3
Asi zivai kuti TENZI akazvitsaurira vakarurama. TENZI anondinzwa pandinodana kwaari.
4
Shushikanai zvenyu asi musatadze. Rangarirai mumwoyo menyu pauvato hwenyu munyarare. Dzepfunde
5
Pirai zvibayiro kwazvo muvimbe naTENZI.
6
Kuna vazhinji, vanoti, dai waro zvinhu zvatinakira, mativhenekerawo nokupenya kwouso hwenyu, imi TENZI.
7
Makaisa rufaro mumwoyo mangu kupinda vanhu kana vawana matutu matutu embeswanwa nebvachapfacha rewaini.
8
Zvose kurara nokukotsira ndinozviwana murugare nokuti imi moga, ndimi TENZI munoita kuti ndigare ndakagarikana.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa