|
| 1 |
|
| Rwiyo rwokurumbidza nokukumbira rubatsiro Ndakamira ndamirirazve TENZI, iye akarerekera kwandiri akanzwa chichemo changu. |
|
| 2 |
|
| Akandiburitsa mugomba rinounga, kubva munhope yomunyakwe. Akanditsikisa padombo akatsigisa kufamba kwangu. |
|
| 3 |
|
| Akaisa rwiyo rutsva pamuromo pangu, rumbo rwokurumbidza Mwari wedu; vazhinji vachazviona vakatya vachizovimba naTENZI. |
|
| 4 |
|
| Akakomborerwa munhu anovimba naTENZI asingatsaukiri kuna vanozvikudza, kuvanhu vanoteterekera kuna vamwari vasirivo. |
|
| 5 |
|
| TENZI Mwari makatiitira zvinhu zvizhinji, zvinhu zvinoshamisa zvamakatirongera. Hapana angaenzaniswe nemi. Dai kuri kuti ndinozviparidza ndichizvitaura hazvaiverengeka. |
|
| 6 |
|
| Zvibayiro nemipiro hazvisizvo zvamunofarira asi chamakandipa inzeve dzinonzwa. Mupiro wokupisa nomupiro wokupfupira zvitadzo hamuikumbiri. |
|
| 7 |
|
| Ndipo pandakati, “Tarisai ndinouya Mubhuku rokumononora makanyorwa nezvangu muchinzi: |
|
| 8 |
|
| ‘Ndinofarira kuita kuda kwenyu, Mwari wangu mutemo wenyu uri mumwoyo mangu.’ ” |
|
| 9 |
|
| Ndakaparidza shoko rinofadza roruponeso musangano guru. Handina kumbomedza mate sokuziva kwenyu TENZI. |
|
| 10 |
|
| Handina kuvanza mumwoyo mangu kutaura zvoruponeso rwenyu runobatsira. Ndakataura nezvokutendeka kwenyu nokununura kwenyu. Handina kuvanza mwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu kusangano renyu guru. |
|
| 11 |
|
| Musarege henyu kundiitira tsitsi TENZI. Nomwoyochena wenyu nokutendeka kwenyu, rambai muchingondichengeta. |
|
| 12 |
|
| Nokuti nhamo dzisingaverengeki dzandimomotera, zvitadzo zvangu zvandikunda zvokutotadza kuona. Zvakawanda kupinda vhudzi romusoro wangu. Ndarasa mwoyo ini. |
|
| 13 |
|
| Ngazvikufadzei TENZI kundinunura Mwari chimbidzai kundibatsira. |
|
| 14 |
|
| Vanoda kundiuraya ngavanyadziswe vadzungaire zvachose vanoda kubvuta upenyu hwangu. Ngavadzorwe vanyadziswe avo vanoda kundikuvadza. |
|
| 15 |
|
| Ngavakatyamare pamusana pokunyara kwavo vanondisveeredza vachiti, “Tsvatu waro tsvatu waro.” |
|
| 16 |
|
| Asi vose vanokutsvakai ngavapembere nokufara mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “TENZI mukuru.” |
|
| 17 |
|
| Asi iniwo zvangu ndiri murombo nomunhu asina chaanacho. Asi TENZI anondifunga; ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu musanonoke Mwari wangu. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/040.mp3
150
40