|
| 1 |
|
| Ndakarindira–rindira Jehovha; Akarerekera kwandiri, akanzwa kuchema kwangu. |
|
| 2 |
|
| Akandibudisawo pagomba rokuparadzwa, nomudziva ramatope; Akamisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa kufamba kwangu. |
|
| 3 |
|
| Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwokurumbidza Mwari wedu narwo; Vazhinji vachazviona, vachitya, Vachavimba naJehovha. |
|
| 4 |
|
| Akakomborerwa anoita Jehovha chivando chake. Asina hanya navanozvikudza, navanotsaukira kunhema. |
|
| 5 |
|
| Jehovha Mwari wangu, mabasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji, Nemifungo yenyu kwatiri; Hapana angaenzaniswa nemi. Kana ndikada kuzvidudzira nokuzvireva, Hazvingaverengwi nokuwanda kwazvo. |
|
| 6 |
|
| Imi hamufadzwi nezvibairo nezvipiriso; Makandidziurira nzeve dzangu; Zvipiriso zvinopiswa nezvezvivi hamuna kuzvireva. |
|
| 7 |
|
| Ipapo ndakati, “Tarirai, ndauya; Parugwaro rwechimononorwa ndakazvirairwa, |
|
| 8 |
|
| Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; Zvirokwazvo murairo wenyu uri mumwoyo mangu.” |
|
| 9 |
|
| Ndakaparidza mashoko omufaro paungano huru; Tarirai, handingadzori miromo yangu, Jehovha, munozviziva. |
|
| 10 |
|
| Handina kuvanza kururama kwenyu mumwoyo mangu; Ndakadudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu; Handina kuvanzira ungano huru unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu. |
|
| 11 |
|
| Jehovha, imi hamungandinyimi ngoni dzenyu; Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichengeta nguva dzose. |
|
| 12 |
|
| Nokuti madambudzo asingaverengwi akandikomberedza, Zvakaipa zvangu zvakandibata, naizvozvo handigoni kutarira kumusoro; Zvakawanda kupfuura vhudzi romusoro wangu, ndapera mwoyo. |
|
| 13 |
|
| Jehovha, ngazvikufadzei kundirwira; Kurumidzai kundibatsira, Jehovha. |
|
| 14 |
|
| Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe pamwechete. Ivo vanotsvaka mweya wangu kuti vauparadze; Ngavadzoserwe shure, vashorwe Ivo vanofarira kundikuvadza. |
|
| 15 |
|
| Ngavavhunduswe nokuda kwenyadzi dzavo Ivo vanoti kwandiri, “Hekani, hekani waro!” |
|
| 16 |
|
| Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri; Vanoda kuponesa kwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!” |
|
| 17 |
|
| Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; Kunyangwe zvakadaro Ishe anondifunga; Imi muri mubatsiri wangu nomurwiri wangu; Regai kunonoka, Mwari wangu. |
|
|
|
|