Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Ndipembedzei Mwari mundidzivirirewo pamhosva yangu kuvanhu vakaipa mwoyo. Ndinunureiwo kuvanyengedzi navanhu vakaipa. |
| 2 |
| Nokuti imi Mwari ndimi diziro rangu, mandirasireiko? Ndinofambirei ndichichema nokushushwa kwandinoitwa nemhandu? |
| 3 |
| Tumai mwenje wenyu nechokwadi chenyu zvinditungamirire zvinditsvitse kugomo renyu rinoera nokwamunogara. |
| 4 |
| Ndinobva ndaenda kuatari yaMwari, kuna Mwari anondipa rufaro rusingatauriki. Ndichakurumbidzai nechipendani Mwari, Mwari wangu. |
| 5 |
| Ko ndasuruvara neiko kudai iyeni ko ndadzongodzwa mwoyo mukati mangu seiko kudai? Ndinotarisira muna Mwari nokuti ndichamurumbidzazve iye rubatsiro rwangu naMwari wangu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/043.mp3
150
43