|
| 1 |
|
| Nyika inokumbira kudzivirirwa Mwari isu takanzwa nenzeve dzedu, madzitateguru edu akatitaurira zvamakaita pamazuva avo pasichigare. |
|
| 2 |
|
| Imi makadzinga vechirudzi namaoko enyu, uye kuti ivo vadzikemo misha, makatambudza vechirudzi mukavatandanisa. |
|
| 3 |
|
| Havana kukurira nyika nehondo yebakatwa kana kukunda nesimba roruoko rwavo; asi noruoko rwenyu rworudyi nesimba roruoko rwenyu uye nechiedza chouso hwenyu nokuti makafadzwa navo. |
|
| 4 |
|
| Ndimi mambo wangu naMwari wangu itii vokwaJakobho vakunde. |
|
| 5 |
|
| Nesimba renyu tinokurira mhandu dzedu; nezita renyu tinotsikatsika vanotirwisa. |
|
| 6 |
|
| Handivimbi nouta hwangu kunyange bakatwa rangu harindiponesi. |
|
| 7 |
|
| Asi imi makatinunura kumhandu dzedu mukanyadzisa vanotivenga. |
|
| 8 |
|
| Tinovimba nguva dzose naMwari wedu uye tichatenda Mwari wedu nokusingaperi. Dzepfunde. |
|
| 9 |
|
| Asi zvino makatirasa mukatinyadzisa uye hamuna kutsigirana nehondo dzedu. |
|
| 10 |
|
| Mukaita kuti titize vavengi vedu mhandu dzedu dzikatowana zvadzo zvokupamba. |
|
| 11 |
|
| Makatiita sehwai dzokubaya mukatimwararisa mukati memarudzi. |
|
| 12 |
|
| Makatengesa vanhu venyu nomutengo usina maturo asi chamakabura ipapo hapana. |
|
| 13 |
|
| Makatishoresa navavakidzani vedu tikave chiseko nechinhu chinonyombwa navakatipoteredza. |
|
| 14 |
|
| Tatove tsumo pakati pevechirudzi. Mukati mavanhu, tinotodzungudzirwa musoro. |
|
| 15 |
|
| Zuva rose ndinoswera ndichinyara ndadonha uso nokunyara |
|
| 16 |
|
| namashoko okunyomba nokushora pamberi pomuvengi nomutsividzi. |
|
| 17 |
|
| Zvose izvi zvakatiwira asi isu tisina kukukanganwai kana kusatendeka kuchitenderano chenyu. |
|
| 18 |
|
| Mwoyo yedu haina kufuratira uye tsoka dzedu hadzina kutsauka pagwara renyu. |
|
| 19 |
|
| Asi imi makatipwanya panzvimbo inogara makava, mukatifukidza nerima rakati kwirindindi. |
|
| 20 |
|
| Dai kuri kuti takakanganwa zita raMwari wedu kana kusimudzira maoko edu kuna Mwari asiri iye, |
|
| 21 |
|
| iye Mwari angadai asina kuzviona here? Nokuti anoziva wani zviri mumwoyo zvakavandika. |
|
| 22 |
|
| Inga tinouraiwa zuva rose tichitorwa sehwai dzokubaya. |
|
| 23 |
|
| Mukai TENZI, munokotsirireiko? Mukai musatirase zvachose. |
|
| 24 |
|
| Munozvivanzirei uso? Munokanganwirei nhamo nokushushwa kwatinoitwa. |
|
| 25 |
|
| Tazvambarara muguruva, tachiti kwati kwati pasi. |
|
| 26 |
|
| Simukai muuye kuzotibatsira. Tinunureiwo nokuda kwomwoyochena wenyu. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/044.mp3
150
44