|
| 1 |
|
| Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzibaba edu akatiudza, Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare. |
|
| 2 |
|
| Makadzinga vahedheni noruoko rwenyu, mukavasima ivo; Makatambudza ndudzi dzavanhu mukavaparadzira ivo. |
|
| 3 |
|
| Nokuti havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo, Ruoko rwavo haruna kuvaponesa; Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu, nechiedza chechiso chenyu, Nokuti maivafarira. |
|
| 4 |
|
| Ndimi Mambo wangu, imi Mwari; Rairai kuti Jakobho akunde. |
|
| 5 |
|
| Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu; Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira. |
|
| 6 |
|
| Nokuti handingavimbi nouta hwangu, Nomunondo wangu haungandiponesi. |
|
| 7 |
|
| Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu, Mukanyadzisa vanotivenga. |
|
| 8 |
|
| Takazvirumbidza zuva rose muna Mwari, Tichavonga zita renyu nokusingaperi. |
|
| 9 |
|
| Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa; Hamuchafambi nehondo dzedu. |
|
| 10 |
|
| Munotitizisa pamberi pavadzivisi; Vanotivenga vanopamba zvinhu zvedu. |
|
| 11 |
|
| Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa; Makatiparadzira pakati pavahedheni. |
|
| 12 |
|
| Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa, Hamuna kuwedzera pfuma yenyu nomutengo wavo. |
|
| 13 |
|
| Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo, Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza. |
|
| 14 |
|
| Munotiita shumo pakati pavahedheni, Vanhu vanotidzungudzira misoro. |
|
| 15 |
|
| Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu, Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza. |
|
| 16 |
|
| Nokuda kwezwi romutuki nomuzvidzi; Nokuda kwomuvengi nomutsivi. |
|
| 17 |
|
| Izvi zvose zvakatiwira; kunyangwe zvakadaro hatina kukukanganwai, Hatina kunyengedzera pasungano yenyu. |
|
| 18 |
|
| Mwoyo yedu haina kudzokera shure, Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu; |
|
| 19 |
|
| Kunyangwe makatipwanya–pwanya panzvimbo yamakava, Mukatifukidza nomumvuri worufu. |
|
| 20 |
|
| Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu, Kana kutambanudzira maoko edu kumwari wavamwe; |
|
| 21 |
|
| Ko Mwari haanganzveri izvozvo here? Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomwoyo. |
|
| 22 |
|
| Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourayiwa zuva rose; Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa. |
|
| 23 |
|
| Mukai, munovatireiko, Ishe? Mukai, musatirasha nokusingaperi. |
|
| 24 |
|
| Munovanzireiko chiso chenyu, Muchikanganwa kutambudzika kwedu nokumanikidzwa kwedu? |
|
| 25 |
|
| Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva; Dumbu redu rinonamatira pavhu. |
|
| 26 |
|
| Simukai mutibatsire, Mutidzikinure nokuda kwounyoro hwenyu. |
|
|
|
|