|
| 1 |
|
| Rwiyo rwomuchato wamambo Mwoyo wangu unotutuma namashoko akanaka ndinodetemba nhetembo yangu kuna Mambo rurimi rwangu rwakaita sepenzura yenyanzvi yomunyori. |
|
| 2 |
|
| Imi makanaka chimiro kupinda vanhu vose mune rurimi runotaura zvinonwisa mvura; saizvozvo Mwari akakukomborerai narini narini. |
|
| 3 |
|
| Imi gamba pakatirai bakatwa renyu rinokupai mbiri nechiremera chenyu, |
|
| 4 |
|
| mufambe nechiremera nokukunda kwenyu muchimiririra chokwadi noruenzaniso ruoko rwenyu rworudyi ruratidze zviito zvinotyisa. |
|
| 5 |
|
| Miseve yenyu yakapinza inobaya mwoyo yavavengi venyu, mambo. Vanhu vanowira pasi penyu |
|
| 6 |
|
| chigaro chenyu choushe chakagadzwa naMwari chinogara nokusingaperi. Tsvimbo yenyu youshe itsvimbo yokutendeka. |
|
| 7 |
|
| Munoda ururami muchivenga uipi, naizvozvo Mwari, Mwari wenyu akakuzodzai namafuta anoratidza kufara kuti muve pamusoro pavamwe venyu. |
|
| 8 |
|
| Magemenzi enyu anonhuwirira mura nearosi nekasia. Mumuzinda wenyu wakashongedzwa nenyanga dzenzou, madimbwa anokufadzai. |
|
| 9 |
|
| Vanasikana vamambo varipo pakati pavakadzi vomumuzinda, kurudzi kwenyu kwakamira mambokadzi anezvishongo zvendarama yokuOfiri. |
|
| 10 |
|
| Chinzwa mwanasikana, nyatsopafungisisa uteerere: vanhu vokwako neveimba yokwababa vako kanganwa. |
|
| 11 |
|
| Mambo achafadzwa norunako rwako. Zvaari tenzi wako mukotamire. |
|
| 12 |
|
| Vanhu vokuTire vachakuunzira zvipo, ivo vapfumi chaivo |
|
| 13 |
|
| vachakuunzirai upfumi hworudzi norudzi. Mukunda anoshongedzwa muimba make namagemenzi akarukwa nendarama. |
|
| 14 |
|
| Anozotungamidzwa kuna mambo akapfeka magemenzi ana mavara mavara aine mhandara dzake dzokumuperekedza mudungwerungwe rake. |
|
| 15 |
|
| Vanotungamirirwa nomufaro vachipururudza vachipinda mumuzinda wamambo. |
|
| 16 |
|
| Vokutsiva madzibaba enyu, mambo muchava navana muchavaita madzishe apanyika pose. |
|
| 17 |
|
| Ndichaita kuti zita renyu rirangarirwe pazvizvarwa zvose naizvozvo marudzi avanhu achakurumbidzai narini narini. |
|
|
|
|