×

Bhaibhiri Idzva 2008

Mapisarema 47

1
Muimbisi, urwu Rwiyo rwevekwaKora. Uchirai imi marudzi ose avanhu. Daidzirai kuna Mwari muimbe kwazvo norufaro
2
nokuti TENZI Wokumusorosoro anotyisa kwazvo. Ndiye mambo mukuru wapasi pose.
3
Akaita kuti tikunde marudzi avanhu, akaisa marudzi pasi petsoka dzenyu.
4
Ndiye akatisarudzira nyika yenhaka yedu, nhaka inodadisa yaJakobho wake wapamwoyo. Dzepfunde
5
Mwari anokwira pamusoro achipurudzirwa, TENZI achipembererwa nebhosvo.
6
Imbirai Mwari muchimurumbidza, muimbirei muchimurumbidza. Imbai muchirumbidza Mambo wedu muimbirei muchimurumbidza
7
nokuti Mwari ndiye mambo wapasi pose muimbirei muchimurumbidza norumbo.
8
Mwari ndiye anotonga vechirudzi Mwari anogara pachigaro chake chokutonga chinoera.
9
Madzishe amarudzi avanhu anoungana savanhu vaMwari waAbhurahamu nokuti vachengetedzi venyika ndevaMwari anorumbidzwa zvikuru kwazvo.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society Of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa