Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. [1] Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika, |
| 2 |
| vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete. |
| 3 |
| Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa. |
| 4 |
| Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika. |
| 5 |
| Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza, |
| 6 |
| vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji? |
| 7 |
| Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake, |
| 8 |
| rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo, |
| 9 |
| kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora. |
| 10 |
| Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo. |
| 11 |
| Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kumarudzi asingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo. |
| 12 |
| Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa. |
| 13 |
| Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera |
| 14 |
| Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. |
| 15 |
| Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera |
| 16 |
| Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa; |
| 17 |
| nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda. |
| 18 |
| Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira, |
| 19 |
| achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu. |
| 20 |
| Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/049.mp3
150
49