Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. [1] Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. Rangarirai chikumbiro changu. |
| 2 |
| Teererai inzwi rokuchema kwangu, Mambo wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri. |
| 3 |
| Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu uye ndichimirira netariro. |
| 4 |
| Imi hamuzi Mwari anofarira zvakaipa; munhu akaipa haangagari nemi. |
| 5 |
| Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu; munovenga vose vanoita zvakaipa. |
| 6 |
| Munoparadza vose vanoreva nhema; vanoteura ropa navanhu vanonyengera, Jehovha anovasema. |
| 7 |
| Asi ini, nenyasha dzenyu huru, ndichapinda mumba menyu; norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu, ndakatarira kutemberi yenyu tsvene. |
| 8 |
| Nditungamirirei, imi Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu, ruramisai nzira yenyu pamberi pangu. |
| 9 |
| Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro; mwoyo yavo izere nokuparadza. Huro dzavo iguva rakashama; vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo. |
| 10 |
| Haiwa Mwari, vapei mhosva! Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo. Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji, nokuti vakakumukirai. |
| 11 |
| Asi vose vanovanda mamuri ngavafare; ngavagare vachiimba nomufaro. Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu, kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri. |
| 12 |
| Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama; munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/005.mp3
150
5