Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Kumuimbisi anezvokuimbisa zvine hungiso. Rwiyo rwaDhavhidhi. TENZI, teererai zvandinotaura, rangarirai kuungudza kwangu. |
| 2 |
| Inzwai izwi rokuchema kwangu, Mwari wangu naMambo wangu nokuti ndinonamata kwamuri. |
| 3 |
| TENZI, mangwanani, munonzwa izwi rangu. Kumangwanani, ndinokugadzirirai chibayiro ndomirira. |
| 4 |
| Nokuti hamusi Mwari anofarira uipi, uipi haugone kuita musha pamwechete nemi. |
| 5 |
| Vanozvikudza havangagoni kumira pamberi penyu, munovenga vaiti vose vezvakaipa. |
| 6 |
| Munoparadza vanotaura nhema TENZI anovenga vanhu vanoda kudeura ropa navanhu vanonyengedza. |
| 7 |
| Asi pamusana pemwoyochena wenyu wakawanda; ndichapinda mumba menyu. Ndichanamata ndichikuremekedzai ndakaringira kuTemberi yenyu inoera. |
| 8 |
| Nditungamirireiwo TENZI, nokururama kwenyu, nokuti ndine mhandu. Ndijekesereiwo nzira yamunoda kuti ndifambe nayo. |
| 9 |
| Nokuti hapana chavanotaura chechokwadi. Zviri pamwoyo pavo chaizvo ndezvokuda kuparadza; gurokuro ravo iguva rakashama vanonyengedza norurimi rwavo. |
| 10 |
| Ngavabatwe nemhosva yavo, Mwari. Zvavakarangana izvozvo zvivaputsire pasi. Pamusana pezvikanganiso zvavo zvakawanda, vadzingei nokuti vakakupandukirai. |
| 11 |
| Asi vanopotera mamuri ngavafare, varambe vachiimba nomufaro. Imiwo vadzivirirei, kuitira kuti vanoda zita renyu vapembere nokufara mamuri. |
| 12 |
| Nokuti imi TENZI munokomborera mururami, munomudzivirira senhoo nemweya wenyu wakanaka. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/psalms/005.mp3
150
5