Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pisarema raAsafi. [1] Iye Wamasimba, Mwari, Jehovha, anotaura uye anodana nyika kubva pakubuda kwezuva kusvikira kwarinovirira. |
| 2 |
| Kubva kuZioni, rakakwana parunako, Mwari anopenya. |
| 3 |
| Mwari wedu anouya uye haanganyarari; moto unoparadza pamberi pake, uye dutu rine hasha rakamupoteredza. |
| 4 |
| Anodana matenga kumusoro, uye nenyika, kuti atonge vanhu vake achiti: |
| 5 |
| “Ndiunganidzirei vatsvene vangu, vakaita sungano neni nechibayiro.” |
| 6 |
| Uye matenga anoparidza kururama kwake, nokuti Mwari amene ndiye mutongi. Sera |
| 7 |
| “Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichataura, imi Israeri, uye ndichapupura pamusoro penyu: Ndini Mwari, Mwari wenyu. |
| 8 |
| Handikutukei nokuda kwezvibayiro zvenyu, kana zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvinogara zviri pamberi pangu. |
| 9 |
| Handisi kuda hando inobva mudanga rako, kana mbudzi inobva muzvirugu zvako, |
| 10 |
| nokuti mhuka dzose dzesango ndedzangu, nemombe pamakomo chiuru. |
| 11 |
| Ndinoziva shiri dzose dziri mumakomo, uye zvisikwa zvose zvesango ndezvangu. |
| 12 |
| Kana dai ndaiva nenzara, handaikuudza iwe, nokuti nyika ndeyangu, nezvose zviri mairi. |
| 13 |
| Ko, ndinodya nyama yehando kana kunwa ropa rembudzi here? |
| 14 |
| Bayirai zvibayiro zvokuvonga kuna Mwari, zadzisai zvamakapikira Wokumusoro-soro, |
| 15 |
| uye mudane kwandiri pazuva rokutambudzika; ndichakurwirai, uye imi muchandikudza.” |
| 16 |
| Asi kuna vakaipa, Mwari anoti, “Ko, une mvumo ipiko iwe yokuti ududzire mutemo wangu, kana kuisa sungano yangu pamiromo yako? |
| 17 |
| Unovenga kurayira kwangu, uye unorasira mashoko angu shure kwako. |
| 18 |
| Paunoona mbavha, unowadzana nayo; unogoverana nemhombwe mugove wako. |
| 19 |
| Unoshandisa muromo wako kuita zvakaipa, uye unorovedza rurimi rwako kukunyengera. |
| 20 |
| Unogara uchipomera hama yako nokuitira mwanakomana wamai vako makuhwa. |
| 21 |
| Zvinhu izvi wakazviita ini ndikaramba ndinyerere; wakafunga kuti ndakafanana newe. Asi ndichakutsiura uye ndichaisa mhosva iyi pamberi pako. |
| 22 |
| “Fungai izvi, imi vanokanganwa Mwari, kuti ndirege kukubvambura-bvamburai mukashaya angakununurai: |
| 23 |
| Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza, uye anogadzira nzira kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/psalms/050.mp3
150
50