Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| 'Ndirwirei Mwari, nezita renyu, Nditongerei nesimba renyu. |
| 2 |
| Inzwai munyengetero wangu, Mwari; Rerekerai nzeve yenyu munzwe mashoko omuromo wangu. |
| 3 |
| Nokuti vatorwa vakandimukira, Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu. Havana kuisa Mwari pamberi pavo. |
| 4 |
| Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu. Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu. |
| 5 |
| Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu; Muvaparadze nokutendeka kwenyu. |
| 6 |
| Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira, Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka. |
| 7 |
| Nokuti akandirwira pakutambudzika kose; Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/psalms/054.mp3
150
54