|
| 1 |
|
| Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu. |
|
| 2 |
|
| Nditeererei, mundipindure; Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura; |
|
| 3 |
|
| Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo. |
|
| 4 |
|
| Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu; Garudzo rorufu rakandiwira, |
|
| 5 |
|
| Kutya nokubvunda zvakandiwira. Kutya kukuru kwakandifukidza. |
|
| 6 |
|
| Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva! Ndaibhururuka, ndikandozorora. |
|
| 7 |
|
| Tarirai, ndingadai ndaitizira kure, Ndaindogara kurenje. |
|
| 8 |
|
| Ndaikurumidza kundovanda, Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.” |
|
| 9 |
|
| Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo; Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta. |
|
| 10 |
|
| Masikati nousiku vanoripoteredza pamasvingo aro; Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro. |
|
| 11 |
|
| Kushata kuri pakati paro; Kumanikidza nokunyengera hazvibvi panzira dzaro. |
|
| 12 |
|
| Nokuti akanga asi muvengi akandishora; Ipapo ndaigona kutsunga; Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri; Ipapo ndaimuvanda. |
|
| 13 |
|
| Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni, Shamwari yangu, nomuzikani wangu. |
|
| 14 |
|
| Taisirangana zvakanaka, Taifamba mumba maMwari pamwechete navanhu vazhinji. |
|
| 15 |
|
| Rufu ngaruvawire kamwe–kamwe, Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu; Nokuti kushata kuri paugaro hwavo, imo mukati mavo. |
|
| 16 |
|
| Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari; Jehovha achandiponesa. |
|
| 17 |
|
| Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichiuura; Iye achanzwa izwi rangu. |
|
| 18 |
|
| Wakadzikinura mweya wangu norugare, kukasava nomumwe akaswedera kwandiri; Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji. |
|
| 19 |
|
| Mwari achanzwa, achavapindura, Iye aripo kare nakare, Nokuti havashanduki, Havatyi Mwari. |
|
| 20 |
|
| Wakatambanudzira maoko ake kuna vaiva norugare naye; Wakashora sungano yake. |
|
| 21 |
|
| Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyangwe zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa. |
|
| 22 |
|
| Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye achakusimbisa; Haangatongotenderi akarurama kuti azununguswe. |
|
| 23 |
|
| Asi imi Mwari muchavaburusira kugomba rokuparadzwa; Vanhu vanokarira ropa navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo; Asi ini ndichavimba nemi. |
|
|
|
|